Proverbs 3

Munhu ngaatye Jehovha, avimbe naye uye amuteerere

1Mwanakomana wangu, usakanganwa kudzidzisa kwangu,
asi uchengete mirayiro yangu mumwoyo mako,
2nokuti zvichawedzera makore mazhinji kuupenyu hwako,
uye nokubudirira.
3Rudo nokutendeka ngazvirege kukusiya;
uzvisungirire pamutsipa wako,
zvinyore pahwendefa romwoyo wako.
4Ipapo uchawana nyasha nezita rakanaka
pamberi paMwari navanhu.

5Vimba naJehovha nomwoyo wako wose
urege kuzendamira panjere dzako;
6munzira dzako dzose umutungamidze,
uye acharuramisa nzira dzako.

7Usazviita munhu akachenjera pamaonero ako;
itya Jehovha uvenge zvakaipa.
8Izvi zvichava utano pamuviri wako
uye nokusimbiswa kwamapfupa ako.

9Kudza Jehovha nepfuma yako,
zvokutanga zvezvirimwa zvako;
10ipapo matura ako achazadzwa kusvikira pakufashukira,
uye makate ako achazara kusvika pamusoro newaini itsva.

11Mwanakomana wangu, usazvidza kuranga kwaJehovha,
uye usatsamwira kutsiura kwake,
12nokuti Jehovha anoranga avo vaanoda,
sababa nomwanakomana wavanofarira.

13Akaropafadzwa munhu anowana uchenjeri,
munhu anowana kunzwisisa,
14nokuti hwakanyanya kunaka kupfuura sirivha,
uye hunopfumisa kupfuura goridhe.
15Hunokosha kupfuura marubhi;
zvose zvaunoshuva hazvingafananidzwi nahwo.
16Mazuva mazhinji oupenyu ari muruoko rwahwo rworudyi;
muruboshwe rwahwo mune upfumi nokukudzwa.
17Nzira dzahwo dzinofadza,
uye makwara ahwo ose rugare.
18Ndihwo muti woupenyu kuna vose vanohumbundikira;
vose vanohubata vacharopafadzwa.

19Nouchenjeri Jehovha akateya nheyo dzenyika,
nokunzwisisa akaisa matenga munzvimbo dzawo;
20noruzivo rwake mvura dzakadzika dzakapatsanurwa,
uye makore akadonhedza dova.

21Mwanakomana wangu, chengetedza kutonga kwakanaka nokungwara,
usazvirega zvichibva pameso ako;
22zvichava upenyu kwauri,
chishongo chakanaka pamutsipa wako.
23Ipapo uchafamba panzira yako murugare,
uye rutsoka rwako harungagumburwi;
24paunovata pasi, haungatyi; paunovata pasi,
hope dzako dzichava dzakanaka.
25Usatya zvako dambudziko rinovhundutsa
kana kuparadza kunokunda vakaipa,
26nokuti Jehovha achava chivimbo chako
uye achachengeta rutsoka rwako kuti rurege kubatwa.

27Usarega kuitira zvakanaka kuno uyo akafanirwa nazvo,
kana zviri musimba rako kuzviita.
28Usati kumuvakidzani wako,
“Ugodzoka imwe nguva; ndichazokupa mangwana,”
iwe uchitova nazvo pauri.

29Usaronga kuitira muvakidzani wako zvakaipa,
anogara nechivimbo pedyo newe.
30Usapomera munhu mhosva pasina chikonzero,
iye asina zvaakutadzira.

31Usachiva munhu anoita zvinhu nechisimba,
kana kusarudza ipi zvayo yenzira dzake,
32nokuti Jehovha anovenga munhu akatsauka,
asi anoudza akarurama zvaanoda kuita.

33Kutuka kwaJehovha kuri paimba yeakaipa,
asi anoropafadza musha womunhu akarurama.
34Anoseka vaseki vanozvikudza,
asi anoitira nyasha vanozvininipisa.
35Vakachenjera vanowana kukudzwa,
asi mapenzi anozviwanira kunyadziswa.
Copyright information for SnaBDSC